NDOPAYAKATANGIRA MISIKANZWA. MAIZIVA HERE? PART 3
Ndakazomutswa namadam ivo vatopepukawo zvavo zvikanzi; ‘Iwe
Hondo, chibuda uyende daddy vanouya manje so.’’ Ndakati kwanyanu
kwakungokanda kanda mbatya pamuviri
ndakuda kunyahwaira ndichibuda. Ndakapihwa kakiss kepadama ndikambomira
ndakavatarisa ndichisekerera. Madam vakasekererawo ndichiona mazino avo ainge
akachena kunge mukaka. Ndakabva ndaviga angu nekunyara because ainge ave
nemwedzi yakati kuti ndisati ndamboakwesha nechitanda. Ndakangozozhinyurira pasi
pasi ndofamba zvangu ndichibuda.
Ndichingonoisa musoro musitting room dhuma dhuma maziso
naboss vagara zvavo pasofa vakanditarisa neziso rainge rakatsvuka ropa.. Tsinga
dzemusoro dzakaita kuruka musoro wavo waiva nezuda dzakazvimba. I freezed liked
a scarecrow in deserted fields. Ndakambofunga kuti kwaive kurota here, or what kind of a joke was this?
Murungu haana chaakataura, ini handinawo kana kukwanisa
kusimudza gumbo kuenda mberi kana kudzokera shure, ndaita iya inonzi nemauto stand still. Muviri wangu wakapindwa
nechando zvaiita sekuti ropa ranga ramira kufamba here, kana kuti moyo wanga
wamira kupomba handizivi kuti chii chainyatsoitika. Muroyi kuroya unotombohukurwa
nembwa chete vakuru vaigara vakazvitaura, hezvo kutanga, first time in my life
kurara nemukadzi wemunhu ndabva ndabatwa red handed ndichibuda mubedroom. gwikwikwi chaiyo kubatwa kwemuroyi murima.
Izvo baba vangu vaPfaure vaigarondiudza; ‘Mukadzi wemunhu
haabatwe mwanangu, mukadzi wemunhu rufu rwunofiwa munhu akanyenama.
Usazofa wakabata mukadzi wemunhu nyange akuise pamiedzo yakaita sei, nekuti
akafanana nenyama iripachirauro. Kana hove isina kuvhura muromo wayo haibatwe
nechirauro, asi iyo yavhura muromo ndiyo ichava usavi hwemuredzi.’’ Vaiita
ekuimba mashoko aya vachitiudza sevana vavo vakomana. Taipedzisira taakuita chorus navo kana vangotanga. Ndakabva ndangoona chiso vhavo takamira pamutanha wemajanga emombe vachidetemba mashoko aya. Sezviya zvaiita sekuru Muzee vachitirovera Nehanda Nyakasikana takagara zvedu padare pavo kana vabva Harare.
Hanzi ndamba kuudzwa anoonekwa neropa kudonha!! Ndakange
ndazvicherera rangu rinda nekuda kwekusateerera mashoko evakuru. Dai ndakange
ndangoitawo saJoseph wemubhaibheri hanti
ndaidai ndisiri pano apa. Ndakaona rufu, ndikaona Satani akabata makeys egomba
rakanga rakadzika kwazvo muine moto wesaferi, ndichikandwa imomo nekuda
kwezvivi zvangu. Because kwandiri kana irinyaya yekufa apa it was given, ndange
ndatofa nekuti ndaizviziva kuti murungu wangu
pese paanogara, chero akapinda mutoilet chaimo anenge aine kachigumbo kehuku kanenge kaine mabara 7.
Ko ndakange ndakanganwa zvese izvi Seiko? Why? Why didn`t I
remember kuti my boss was a politician? Why didn`t I remember that my boss aive
nembiri yekuuraya vanhu? Ko Seiko? Sei chaizvo ndisina kuzvirangarira kuti
pavakatora mukadzi uyu vakatomutorerawo mumwe muzvina business asina kuzoita
mazuva akazowanikwa akapondwa kumakomo
ekuEastern highlands? Ndakanga ndaitei nehupenyu hwangu chokwadi? Ndaifunga
zvese izvi ndichiita kunge ndairota asi ndakatarisana nemurungu achidzungudza
musoro maziso aiita kunge ropa. Aisagona kana kutaura nekudumbirwa nehasha.
Pakatsamwa munhu hauudzwe, unongoona wega nesituation kuti hapasisina kumira
zvakananka.
Dai paingoita chishamiso chekuti pasi panongovhurika ndobva ndanyura povharika ndaizofara kwazvo. Zvaive pachena kuti boss vakange vapinda mubedroom mavo vakaona mashura akange aiitwa naHondo mwana wekwaPfaure pamubhedha pavo. ndinodaira kuti vakasvikoona zvakare marariro atange takaita mubathroom.Kumashure kwangu ndaitonzwa madam varibusy zvavo kugeza
vachiita kuimbirira nemchimuridzo. Kana kumborota zvavo kuti kunze kunei.
Vaisaziva kuti kunze kwangange kwadoka masikati machena. Ava ndovaiva mudenga
rechinomwe ndichinzwa mvura iri shwaaaa apa kamuridzo ke satsifaction kachirohwa haikona
mhani.
Ndakambofunga kuti ndodzokera mumashure ndivhare door ndotsvaga window
rekubuda naro, but ndakarangarira murukirirwo wakanga wakaita imba yavo
nemaburglar bars ndikaona kuti panga pasina changu. Imba yacho ndimwe yedzimba
dzine maximum physical security features. Apa zvino ndange ndangotuzurirana
maziso nemushandirwi wangu. Akanga adnitorawo kumusha kundiunza kudhorobha
achindihoresa kupera kwemwedzi woga woga. Ini tsvee zveloan nemaruva ndakunwa pastime
ramambo. Haa iyo weti yanga yandiparira, dai ndaa ndanga ndisina kuzobudisa
zidanda rangu pachena pasina zvose izvi.
Murungu akavhura bag rake raiva patable akabudisa pfuti yake
akaisa patable akanyarara. Ukuwo madam vanga apedza kugeza pavanga vakucrosser
kuenda kuwadrope yavo vakatoshamisika kuti ndakanga ndakamira padoor namanje. ‘’Ndozvakaipa
kuradza chembere muto wegwaya, inenge yoda kutofira mumvura. Ndati chienda
uchabatwa uriipapo varikuuya manje manje. Wanakirwa hauchada kuenda kikikikiki” Vaitaura zvavo vachitozora mafuta apa zvose
zvavaitaura murungu aizvinzwa.
Ndakanzwa hura hwangu huchisumuka kunovhara
mapapu, muviri wese uchimera mapundu. Ndakanga ndichida kuti I am sorry sir but
I remember kuti ndakangoshama muromo asi
hapana inzwi rakabuda mumuromo. Dai vaiziva kuti it was possible kuti ini naivo
tese taizenge tave zvitunha munguva shoma yaitevera vaisataura zvavaitaura
izvozvo. Madam pavakange vakunotorawo something the other side of the bed, ndopavakati dhuma dhuma nebhachi rashewe ravanga vaenda kubasa vakapfeka riri pabed pamusoro panight dress range rakapfekwa namadam ndisati ndavashandira. Vakabva vangoziva chikonzero chakange chaita kuti ndirambe ndakamira padoor.


Mapinda vamwe vedu
ReplyDeleteKkkk ko mfundisi makutiitisa zvechirungu tinozvigona here izvi
ReplyDelete